Deuteronomy 28

Maropafadzo oKuteerera

1Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika. 2Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari:

3Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda.

4Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako.

5Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa.

6Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda.

7Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe chete asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe.

8Jehovha achakutumira kuropafadzwa pamatura ako uye nepane zvose zvauchabata namaoko ako. Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yaari kukupa.

9Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukafamba munzira dzake. 10Ipapo marudzi ose ari panyika achazviona kuti munodanwa nezita raJehovha, uye vachakutyai. 11Jehovha achakupa pfuma zhinji, muzvibereko zvomuviri wako, zvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvirimwa zvevhu rako, munyika yaakapikira kumadzitateguru ako kuti achakupa.

12Jehovha achazarura matenga, matura ake epfuma zhinji, kuti atumire mvura panyika yako nenguva uye acharopafadza mabasa ose amaoko ako. Iwe uchakweretesa ndudzi zhinji asi iwe haungakwereti. 13Jehovha achakuita musoro, kwete muswe. Kana ukanyatsoteerera kumirayiro yaJehovha Mwari wako yandinokupa nhasi uye ukachenjerera kuitevera, ucharamba uri pamusoro chete, haungavi pasi. 14Usatsauka kubva pane mumwe wemirayiro yandinokupa nhasi, kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.

Kutukwa nokuda kwokusateerera

15Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako:

16Uchatukwa muguta uye uchatukwa mumunda.

17Dengu rako nomudziyo wako wokukanyira chingwa zvichatukwa.

18Chibereko chomuviri wako chichatukwa, uye zvirimwa zvevhu rako, nemhuru dzemhou dzako namakwayana amakwai ako.

19Uchatukwa kana uchipinda uye uchatukwa kana uchibuda.

20Jehovha achatuma kutukwa pamusoro pako, nokunyonganiswa uye nokurangwa pazvinhu zvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa uye kusvikira waparara nokukurumidza nokuda kwezvakaipa zvawakaita zvokumuramba. 21Jehovha achakurova nedenda nezvirwere kusvikira akuparadza kubva panyika yauri kupinda kuti uitore. 22Jehovha achakurova nechirwere chinoondesa, nefivha nokupisa kwomuviri, nokupisa kukuru, nokusanaya kwemvura nenyunje, nokuvhuvha, uye zvichakutevera kusvikira waparara. 23Denga riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. 24Jehovha achashandura mvura yenyika yako ikava guruva nemhukuta; richanaya kubva kudenga kusvikira waparadzwa.

25Jehovha achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchauya nenzira imwe chete kuzorwa navo asi mugotiza pamberi pavo nenzira nomwe, uye muchava chinhu chinotyisa kumarudzi ose apanyika. 26Zvitunha zvenyu zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika, uye hapana achazvidzinga. 27Jehovha achakurovai namamota eIjipiti uye namaronda, nemhezi nokuswinya zvicharamba kupora. 28Jehovha achakurovai nokupenga, upofu nokunyonganiswa kwepfungwa. 29Panguva yamasikati uchatsvanzvadzira sebofu murima. Haungabudiriri pane zvose zvauchaita; zuva nezuva uchamanikidzwa uye uchabirwa pasina anokununura.

30Uchatsidzirana nomukadzi kuti umuwane, asi mumwe murume achamuwana agovata naye. Uchavaka imba asi haungagarimo. Uchasima munda womuzambiringa asi haungatongotangi kana kudya michero yawo. 31Nzombe yako ichaurayiwa pamberi pako, asi haungadyi nyama yacho. Mbongoro yako ichatorwa nechisimba kubva kwauri uye haizodzorerwi. Makwai ako achapiwa kuvavengi vako, uye hapana achaanunura. 32Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa kuno rumwe rudzi, uye meso ako achaneta nokuvatsvaka zuva nezuva, usisina kana simba rokusimudza ruoko. 33Rudzi rwausingazivi ruchadya zvibereko zvevhu rako nesimba rako, uye uchava nokumanikidzwa kuno utsinye mazuva ose. 34Zvauchaona zvichakupengesa. 35Jehovha achakurova mumabvi nomumakumbo namamota anorwadza asingarapiki, achibva pasi petsoka dzako kusvikira pamusoro pomusoro wako.

36Jehovha achakudzingirai, imi namambo wamakagadza kuti akutongei, kunyika yamusingazivi imi kana madzibaba enyu, ikoko muchandonamata vamwe vamwari, vamwari vamatanda namabwe. 37Muchava chinhu chinotyisa, chinhu chinotukwa uye chinozvidzwa kundudzi dzose kwamuchadzingirwa naJehovha.

38Uchadyara mbeu yakawanda mumunda mako asi uchakohwa zvishoma, nokuti zvichaparadzwa nemhashu. 39Ucharima minda yemizambiringa ugoitimbira, asi haunganwi waini yacho kana kutanha mazambiringa acho, nokuti achadyiwa namakonye. 40Muchava nemiti yemiorivhi munyika yenyu yose asi haungashandisi mafuta acho, nokuti miorivhi yako ichazuka. 41Uchabereka vanakomana navanasikana asi haungavachengeti, nokuti vachaenda kuutapwa. 42Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvose zvichadyiwa nemhashu.

43Mutorwa anogara pakati penyu acharamba achibudirira kupfuura iwe, asi iwe ucharamba uchidzikira pasi pasi. 44Achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi. Achava musoro asi iwe uchava muswe.

45Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupa. 46Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. 47Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira, 48naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza.

49Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi, 50rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku. 51Vachaparadza zvibereko zvezvipfuwo zvenyu nezvirimwa zveminda yenyu kusvikira maparadzwa. Havangakusiyirei zviyo, waini itsva kana mafuta, kunyange mhuru dzemhou dzenyu kana makwayana amakwai enyu kusvikira maparadzwa. 52Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.

53Nokuda kwokutambudzwa nomuvengi panguva yaachakukombai, muchadya zvibereko zvezvizvaro zvenyu, nyama yavanakomana navanasikana vamakapiwa naJehovha. 54Kunyange munhu uya munyoro anonzwisisa pakati penyu haazovi netsitsi kuhama yake chaiyo kana kumukadzi wake waanoda kana kuvana vake vaanoda vapenyu, 55uye haangapi kune mumwe wavo nyama yevana vake yaari kudya. Ndiyo yoga yaachange asarirwa nayo nokuda kwokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu panguva yaachakomba maguta enyu ose. 56Mukadzi ane unyoro uye anonzwisisa pakati penyu, ane unyoro nokunzwisisa zvokuti haangatsiki pasi norutsoka rwake pakati penyu, achava nomufungo wakaipa kumurume waanoda nokumwanakomana kana mwanasikana wake 57achangobva kuzvarwa kubva muchizvaro chake uye nevana vaanobereka. Nokuti anenge achida kuzovadya pakavanzika panguva yokukombwa nokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu muri mumaguta enyu.

58Kana mukasachenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iri, uye mukasatya zita iri rinobwinya uye rinotyisa, 59Jehovha achatumira hosha dzinotyisa pamusoro penyu imi nezvizvarwa zvenyu, njodzi namatambudziko asingaperi, nezvirwere zvakaipisisa zvisingaperi. 60Achauyisa hosha dzose dzokuIjipiti pamusoro penyu, idzo dzamunotya, uye dzichabatirira pamuri. 61Jehovha achauyisawo pamusoro penyu zvirwere zvamarudzi ose nenjodzi dzisina kunyorwa muBhuku iri roMurayiro, kusvikira maparadzwa. 62Imi maimbova makawanda senyeredzi dzokudenga muchasara mangova vashoma, nokuti hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu. 63Sezvazvakafadza Jehovha kuti imi mubudirire uye muwande, naizvozvo zvichamufadza kuti akuitirei zvakaipa uye akuparadzei. Muchadzurwa kubva munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu.

64Jehovha achakuparadzirai pakati pendudzi, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe. Ikoko muchanamata vamwe vamwari, vamwari vamatanda namabwe, vamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu. 65Pakati pendudzi idzodzo haungawani zororo, kana nzvimbo yokuisa rutsoka rwako. Ikoko Jehovha achakupa kufunganya, meso akaneta nokutarisira uye nokuora mwoyo. 66Uchararama upenyu hwako hwakarembera nguva dzose, wakazadzwa nokutya usiku namasikati, usina chokwadi pamusoro poupenyu hwako. 67Mangwanani muchati, “Dai chete anga ari madekwana!” uye madekwana muchati, “Dai chete anga ari mangwanani!”—nokuda kwokutya kuchazadza mwoyo yenyu nokuda kwezvinhu zvamuchaona nameso enyu. 68Jehovha achakudzoserai kuIjipiti muri muzvikepe parwendo rwandakati hamufaniri kuzoruonazve. Ikoko muchada kuzvitengesa kuvavengi venyu savarandarume kana varandakadzi, asi hapana angada kukutengai.

Copyright information for SnaBDSC